Friday, February 25, 2011


Mothers inogara kuBorrowdale yakasimuka ikapa testimony muchurch yekughetto.


(Salad accent)Mothers: Halleluyah vanhu vaMwari!!!Church: Aaamenii!!!!!!!!


Mathaz: Hama dzangu Mwari vakanaka chokwadi.Bible rinotaura shuwa kuti God looks afta us everydheyi.


Munoziva this week has just been stressful muhupenyu hwangu nefamily yangu.


What happened is on Monday ndakangofuma ndiri tired. I didnt want to go to work but then I just couldn't resist it since dady(vamuhusband) vanga vandivigira outfit nyowani pavakabva kuNew Zealand, I just had to wear it for him otherwise vaizofunga kuti handisi grateful.


Ndakamuka ndikapripeya. ndakati ndapinda mukitchen ndakawana sisi vachiboilisa milk yecereal yemwana mu my favourite microwave yandandatumirwa necousin yangu iri kuStates. Milk iyeye yakabva yaspilla ikamess microwave.


Munoziva ndakapererwa so. Ndakavabvunza sisi kuti LG inoboilisirwa milk yanga yaita sei vakati all 3 microwaves aive mukitchen anga asisa shande.hucareless hwakadii vanhu vaMwari.


ndakabva ndangobuda ndikaenda. Palunch I decided to cum home since last week yanga yapera ndichidyira lunch kuCresta Oasis. ndakati ndichinoturna kupinda mudrive yedu motorolla v600 yangu yakabva yarira. I thot kuti yaive samsung since matones akada kufanana.


pandaka richa out to get the fone from my letha handabag ndakabudisa nokia instead.


nekuda kweconfusion yaiitika ndaka ngopressa remote yegate ndichibva ndangosvikongopinda. What I hadn't realised is kuti daddy vaibudawo at the sametym.


my new convertable yanga yaimpotwa a week and a half ago yakasviko crusha mux5 yadady. I was so shocked and paniking also. ndakavhura door nemota kuti ndibude.


pandakada kuti ndiende out of the car to see what had happened ndakatrippa heel yebhutsu yangu dzanga dzichangotengwa kubva kuAustralia ikabva yatyoka. ndakasvikodonhera muflower bed ndichibva ndatyora mawhite roses aibluma ipapo.


dady vakauya kuzoona kuti am I alright only to realise kuti mapulling socks angu anga alada. I was hurt coz I loved mapulling iwayo it was a collection I had brought from Mauritius pandakabva kuholiday last month.


Due to frustration ndakabva ndabata musoro ndichichema forgetting kuti ndangandichibva kusaloon. Ipapo ndakabva ndamessa a hair style yanga yakosta almost $100. I had done it coz I had a meeting that evening saka it meant kuti I had to go kusaloon again.


ndichiri kufunga izvozvo dady vakabva vanditi I had to go inside and take off my outfit coz it was ruined. Vakabva vafonera bhudhi vemgadheni kuti vauye neVolvo yangairi mugarage kugate. Munoziva henyu Mwari vanondida coz ipapo dady vakabva vati I didn't have to worry about the damage to my car since he had promised X3 for my birthday in two months.


vakati I could use any of his porche` cars for the time being. ndosaka maona ndauya neimwe mota this sunday but then ndinouya nedifferent cars almost every sunday so vamwe venyu havana kuzvinotisa. Volvo payakasvika ndakaendeswa inside. ndakasviko pinda mumba waneiyi sis havasati vapedza kucleaner mumba.


I was surprised kuti munhu anotadza kucleaner 8 bedroomed house nei iye anemamachines anoita zvese. maplates edinner yelast nyt anga achiri mudishwasher.ndakaenda mubedroom kuti ndiite bath but time yangayatopera ndakazongoshawa and I refreshed.


pakuenda kuwalking closet yangu, most appropriate outfits angaasati adzoka kudrycleaners kuzoti kudaidai pamalatest arrivals ndingawane chinhu. ndakatomboenda kuwalking closet yaday but sis hamenowo kwavanga varongedza my outfits day raakauya nadady manheru from Canada. The only outfit I could wear was from Paris which I had worn last year but one. You can imagine how embarrased I was.


I had to wear bhutsu dzangadzabva kuMorocco mufunge coz I had misplaced makeys to my shoe cupboard. I had no choice honestly. Ndakangozvisiira mumaoko aMwari. You can imagine kufara kwandakaita when I got back to work and was told kuti meeting was kuMeikles hotel. since tiri maregular clients at least the people knew my dressing reputation. It would be different from a hotel yandisindaziviwe.


pandaka zodzoka Monday manheru ndakarumbidza Mwari zvekuti flat screen yakabiwa neWednesday + nyangwe hake Tadiwa(only child) akapwanya screen yelaptop yangu on Friday handina kurwadziwa nekuti Mwari vainge vandisimbisa week ichitanga.



No comments:

Post a Comment